top of page
Search

ACIDS / NYON'O

Updated: Jul 1, 2023

ZVINORATIDZA KUTI UNE NYON'O


-kurumwa rumwa , kurira kana kurwadziwa nemudumbu

-chirungurira

-kudzvova zvinovava

-kuita seune chikafu chakagara pahuro chiri kunetsa kumedzeka

-pahuro panorwadza

-kuita kunge izwi rakunoshoshoma

-kunhuhwa mukanwa

-kumira moyo kana kurutsa

-kuchaya

-kushaya hanya nechekudya

-kutemwa nemusoro mate achiwanda mukanwa

-kunzwa kuda kuenda kuchimbuzi koshaya chinobuda

-kuita tsvina yakaomarara kana diki yakaita senhoko dzembudzi

ZVIKAFU ZVINO KWIDZA NYON'O

-michero yakaita semaranjisi , mandimu ( citrus fruits )

-zvinanazi

-zvinwiwa ( fizzy drinks )

-putugadzike yemhando ye coffee

-garlic mbishi

-madomasi nezvese zvino gadzirwa nemadomasi ( ketchup)

-hwahwa

-chikafu chakabikwa mumafuta ( fried foods )

-makwenzi anoshandiswa pakurungisa ( spices )

-chikafu chakatonhora

-zvinwiwa zvekuwedzera simba ( energy drink )


ZVATINGAITE KUTI TIBATSIRIKE

-idyai mabanana akaibvisa musati madya

-musadye zvikafu zvese zvino kwidza nyon'o

-musadye mave kunorara . Ipai dumbu nguva yekugaya chikafu musati mazorora

-musadye zvekugutisa

-inwai mvura yakawandisa marita maviri kana matatu pazuva

-inwai kapu imwe yemvura musati madya

-isai shizha re bay leaf muhusavi hwenyu rino batsira pakufifutirwa nechirungurira

-torai mbatatisi mbishi ne kabhiji mbishi mozvigaya pamwe chete mozvinwa katatu pazuva mazuva matatu

-inwai mhodzi mbishi dzemapopo semapiritsi nemvura mazuva matatu

-fashaidzai tsangamidzi mumvura monwa se putugadzike

-isai mashizha emugwavha mumvura inopisa monwa seputugadzike .


HERBAL MEDICINES INC

+447470168471

716 views1 comment

Recent Posts

See All

1 Comment


Can someone please respond I made a order and I would like to know if it was dispatched ! I have contacted you on all platforms and I had no response.

Like
bottom of page